Kishore Kumar Hits

Qounfuzed - Nguva şarkı sözleri

Sanatçı: Qounfuzed

albüm: Nguva


KSG
Wakanditambisira nguva yangu
Wakanditambisira mari yangu kani
Dai ndakatoipa amai vangu
Zvinhu zvese zvawakandiitira, Mwari ave newe kunge Neria
Haaa ah
Inini zvangu ndaitoda zvachose asi iwe unenge waisada
Kwako kwaingova kufambisa nguva, nguva, nguva, nguva
Moyo wako handingambowufose uchindidyira musaga
Ndinenge ndirikizvitambisira nguva, nguva, nguva, nguva
Waipretender seunondida, asi wausingandide
Ndaiona tichienda tese kumarinda, asi hazvichaitewo
Dzimwe nguva ndinoswera ndichikufunga
Mawungira eizwi rako richiti handichakuda, haa
Ndirikurwadziwa
Tsono yawakabaya nayo moyo ndinoikumbirawo
Ndisone Moyo wawakabvarura
Ndatambura, haa
Inini zvangu ndaitoda zvachose asi iwe unenge waisada
Kwako kwaingova kufambisa nguva, nguva, nguva, nguva
Moyo wako handingambowufose, uchindidyira musaga
Ndinenge ndirikizvitambisira nguva, nguva, nguva, nguva
Haa ah
Ndangandisina kumbozvifungira, kuti ndozvawaindifungira, haa ah
I know you tell your friends that I'm not your type
Asi wani waiuya kumba uchi-spender night (wai-spender night oh)
And I hate your friends coz they always took your side (vaitora ma-sides)
Nguva dzese dzataiita ma-fights
(Uchazondi-) uchazondifunga kana ndakuita zva-someone else (someone else)
Ndichimurukisa musoro, nekumuisisa ma-nails
Uchazondifunga kana ndakuita zva-someone else
Ndichimurukisa musoro, nekumuisisa ma-nails (iwe)
Hazvichina basa kuzvitaura
Chishuwo chako chaiva chekuti ndigokawura
Inini zvangu ndaitoda zvachose asi iwe unenge waisada
Kwako kwaingova kufambisa nguva, nguva, nguva, nguva
Moyo wako handingambowufose uchindidyira musaga
Ndinenge ndirikizvitambisira nguva, nguva, nguva, nguva
Wakanditambisira nguva yangu (wausingandide)
Wakanditambisira mari yangu (wausingandide)
Dai ndakatoipa amai vangu
Zvinhu zvese zvawakandiitira, Mwari ave newe kunge Neria, ahh
Uchazondifunga kana ndakuita zva-someone else
Ndichimurukisa musoro, nekumuisisa ma-nails
Uchazondifunga kana ndakuita zva-someone else (Professor Lalo)
Ndichimurukisa musoro, nekumuisisa ma-nails (Di Don)

Поcмотреть все песни артиста

Sanatçının diğer albümleri

Benzer Sanatçılar