Kishore Kumar Hits

Garry Mapanzure - Pindirai şarkı sözleri

Sanatçı: Garry Mapanzure

albüm: Sushi Season (The First)


Kuchema, kuchema
Kutaura kudai zvinenge zvichirema
Vatofambidzana nekutaurirana
Nekubatisana vanenge vachisema
Hadzizi nhema, koo paye patakatenda
Tikatendeukira iko kune chiedza?
Matakadya kare haanyaradze mwana
Mundiro yatakadyira itirai minana
Ooo
Pindirai Mwari, kana muchinzwa Mwari

Kana muri Mwari wezviratidzo
Wezvinoshamisa tachema tachema
Nguva yakwana, pindiraiwo, pindiraiwo
Pindiraiwo, pindiraiwo
Umm, umm
Tinosimudza maoko
Tikamadzisa, tinongobata musoro
Zvanyanyisa titorereiwo mitoro
'Cause we look to you for our better tomorrow
Mmm, Mwari vanokodzera ndevapi?
Padzokorera padzofurira ndepapi?
Patakatadza regererai hatizvipamhi
Minamato yedu inosvika kwamuri (o-o-o-u)
Pindirai Mwari, kana muchinzwa Mwari (kana muchinzwa Mwari)
Kana muri Mwari wezviratidzo (kana muchinzwa Mwari)
Wezvinoshamisa, tachema, tachema
Nguva yakwana, pindiraiwo, pindiraiwo (pindirai, pindirai)
Pindiraiwo, pindiraiwo
Pindirai Mwari, kana muchinzwa Mwari (kana muchinzwa, muchinzwa)
Kana muri Mwari wezviratidzo (kana muchinzwa, muchinzwa)
Wezvinoshamisa tachema tachema
Nguva yakwana, pindiraiwo, pindiraiwo (Mwariwee pindirai, Mwariwee pindirai, Mwariwee pindirai)
(Tinunurei, tinzwei) pindiraiwo (Mwariwee) pindiraiwo

O-o-o pindiraiwo, pindiraiwo, pindiraiwo

Pindiraiwo, pindiraiwo

Поcмотреть все песни артиста

Sanatçının diğer albümleri

Benzer Sanatçılar