Kishore Kumar Hits

Leornard Zhakata - Karigoni şarkı sözleri

Sanatçı: Leornard Zhakata

albüm: Mandishorei


Vakomanawe mandishoreiko
Ndati vakomana ini mandishoreiwo chokwadi
Nokuti varume ini mandinyanyira

Hamuzakamboona karigoni here varumewe
Mbeu yetumajongwe tudukuduku tunenge hukwana
Hamuzakamboona karigoni here varumewe
Mbeu yetumajongwe tudukuduku tunenge hukwana
Kanokukuridza nepakati pehusiku
Hanzi sekuru Timba kushaya manhenga musati inyana
Honde honde
Ndoti kundiitawo mutuvi mumukaka mandioneiko?
Ko kundiitawo ruomba zvinei?
Chamunorwa neni ndachishayiwa vakomana
Daka renyu ndereiko musakatadzirwa
Chamunorwa neni ndachishayiwa varume woye
Chamunorwa neni ndachishayiwa vakomana
Daka renyu ndereiko musakatadzirwa
Chamunorwa neni ndachishayiwa varume woye
Daka renyu ndereiko musakatadzirwa
Chamunorwa neni ndachishayiwa chokwadi
Daka renyu ndereiko musakatadzirwa
Kutofumirira kutosema kare kare
Nzeve kuhwinya nekutaurwa
Kutofumirira kutosema kare kare
Nzeve kuhwinya nekutaurwa
Kutoshingaira kutsvaga ruvengo
Ko inga Koga wacho hanei nemunhu
Kutoshingaira kutsvaga ruvengo
Ko inga Koga wacho hanei nemunhu
Kutoshaya hope nekufunga Koga
Ko madii kufunga zveupenyu hwenyu
Kutoshaya hope nekufunga Koga
Ko madii kufunga zveupenyu hwenyu

Asi kudai ini ndange ndine mhumhu mukuru
Handifunge maimbondiitira zvakadero
Kudai ini ndange ndine zimhumhu ziguruguru vakomanawe
Handifunge maimbondiitira zvakadero
Kuti pose pandapfuurira mosvika mobvisa mawewe
Chamunorwa ini ndachishaiwa
Pose pandapfuurira mosvika mobvisa mawewe
Chamunorwa ini ndachishaiwa
Pose pandadiwa mosvika moparadza rudo
Hamufarire kudiwa kwangu
Pose pandadiwa mosvika moparadza rudo
Hamufarire kudiwa kwangu
Pose pandakudzwa mosvika moshoropodza
Hamufarire kudiwa kwangu
Pose pandakudzwa mosvika moshoropodza
Hamufarire kudiwa kwangu
Motofamba muchishambadza zita rangu vakomana
Sokunonzi muchawana upfumi kubva pariri
Motofamba muchishambadza zita rangu varumewe
Sokunonzi muchawana upfumi kubva pariri
Ndodandaura ngoma yangu nhapitapi
Nanga nanga neni motanga zvekushoropodza
Ndodandaura ngoma yangu nhapitapi
Nanga nanga neni motanga zvekushoropodza
Moda kutsipika chipo changu here varume woye
Kana chiri chaNyadenga porai
Moda kutsipika chipo changu here varume woye
Kana chiri chaNyadenga pfavai
Ndovaka dumba rangu ndopfirira
Imi mouya noukuriri mopfurunyura
Ndovaka dumba rangu ndopfirira
Imi mouya noukuriri mopfurunyura
Ndiri kuvaka musha wangu vakomana
Ndinyareiwo ndinyareiwo ndinyareiwo
Ndiri kuvaka musha wangu vakomana
Ndinyareiwo ndinyareiwo ndinyareiwo
Ndohwandira shiri yangu musango
Imi mouya neukuriri mobhururutsa
Ndohwandira shiri yangu musango
Imi mouya neukuriri mobhururutsa
Ndiri kutsvaka usavi hwangu vakomana
Ndiwanewoka chekusevesa mauro
Ndiri kutsvaka usavi hwangu vakomana
Ndinyareiwo ndinyareiwo ndinyareiwo
Aheyi munyareiwo
Aheyi munyareiwo
Inzwa kukerekedza kwetseketsa uku
Aheyi munyareiwo
Musazovavengera chokwadi
Aheyi munyareiwo
Honde honde honde
Aheyi munyareiwo
Asi kudai ini ndanga ndine mhumhu mukuru
Handifunge maimbondiitira zvakadero
Kudai ini ndanga ndine zimhumhu ziguruguru vakomanawe
Handifunge maimbondiitira zvakadero
Kuti pose pandapfuurira mosvika mobvisa mawewe
Chamunorwa ini ndachishaiwa
Pose pandakudzwa mosvika moshoropodza
Hamufarire kukudzwa kwangu
Pose pandadiwa mosvika moparadza rudo
Hamufarire kudiwa kwangu
Makandisvikira ndichidanana naSekai
Zvisina tsvina zvisina nharo taidanana
Makaona zvisina kukodzerana nemi
Makauya ndokuparadza rudo rwedu
Muchishandisa nyembe dzenyu dzehukuru
Makauya ndokuparadza rudo rwedu
Ndikati zano ndege ini mudoko
Zviri nane nditonanga kuMasvingo
Ndiko ndakandosangana naye Sarudzai
Akandida nyore nyore kukunyadzisai
Makaona zvisina kukodzerana nemi
Makauya ndokuparadza rudo rwedu
Muchishandisa nyembe dzenyu dzehupfumi
Makauya ndokuparadza rudo rwedu
Ndikati zano ndege ini murombo
Zviri nane nditonanga kuMaungwe
Ndiko ndakazondomuonawoka wandinodisa
Wechidiki akanaka akadziga
Ndiko ndakazondomuonawoka wandinodisa
Wechidiki akanaka akadziga
Chenaimoyo Chenai wangu

Поcмотреть все песни артиста

Sanatçının diğer albümleri

Benzer Sanatçılar