Ndezvipiko zvandichaita
Zvese zvese unozvida?
Saka ndichazvitorepi
Ndiudzeiwo ndiudze?
♪
Ndezvipiko zvandichaita
Zvese zvese unozvida?
Saka ndichazvitorepi
Ndiudzeiwo ndiudze?
♪
Nhamo kani hama yangu
Ndiyo inonditambudza
Ndakakura ndiri rombe
Hapanawo chandingaite
♪
Nhamo kani hama yangu
Ndiyo inonditambudza
Ndakakura ndiri rombe
Hapanawo chandingaite
♪
Mhuri yedu hama yangu
Hainawo kukwirira
Wenhamo ndewenhamo
Ndakazvarwa ndakadaro
♪
Mhuri yedu hama yangu
Hainawo kukwirira
Wenhamo ndewenhamo
Ndakazvarwa ndakadaro
♪
Saka mudiwa ndisiye ndakadaro
Kana zvakuremera sunga twako uende
Vazhinji vane nhamo haina kutangawo neni
Kana wazvifarira totambura tiri tose
Saka mudiwa ndisiye ndakadaro
Kana zvakuremera sunga twako uende
Vazhinji vane nhamo haina kutangawo neni
Kana wazvifarira totambura tiri tose
♪
Ini ndinongodawo zvose zvinonaka pano pamusha
Kana pasina izvozvo handingambogarira nhamo
Chinzwaka mudiwa
Manje wadziirwa nokugarikaka iwe
Pandakakuroora kumusha kwako zvaiveko izvozvo
Manyemwe
Поcмотреть все песни артиста
Sanatçının diğer albümleri