Kishore Kumar Hits

Tongai Moyo - Munyaradzi Wangu şarkı sözleri

Sanatçı: Tongai Moyo

albüm: Pakanaka Dhewa

Ndinogara ndichingochema
Ndinogara ndakasuwa ndarangarira baba vangu
Vakandisiya kare kare
Ndinogara ndichingochema
Ndinogara ndakasuwa ndarangarira mukoma vangu
Vakandisiya kare kare
Rufu here vasikana imi?
Ndinogara ndakasuwa ndarangarira baba vangu
Vakandisiya kare kare
Rufu here vakomana imi?
Ndinogara ndakasuwa ndarangarira mukoma vangu
Vakandisiya kare kare
Rufu here hamawe?
Ndinogara ndakasuwa ndarangarira mukoma vangu
Vakandisiya kare kare
Nhamo here hamawe?
Ndinogara ndakasuwa ndianiko varumewe
Angandipawo kani rugare

Dai baba vangu varipo varumewe
Ndingadai ndiine andondipawo
Mazano iwawa ndirarame
Dai baba vangu varipo varumewe
Ndingadai ndiine andondipawo
Mazano iwawa ndirarame
Dai mukoma vangu varipo varumewe
Ndingadai ndiine andondipawoka
Mazano iwawa ndirarame
Dai mukoma vangu varipo varumewe
Ndingadai ndiine andondipawoka
Mazano iwawa ndirarame
Kobva chiuya mudiwa wangu undinyaradzewoka ndasara ndega
(Munyaradzi wangu wauya)
Kobva chiuya mudiwa wangu undinyaradzewoka ndasara ndega
(Munyaradzi wangu ndiyeyu)
Nherera yenyikaka vanongondishora (munyaradzi wangu wauya)
Nherera yenyikaka vachingondinyomba (munyaradzi wangu ndiyeyu)

Kobva chiuya mudiwa wangu undinyaradzewoka ndave nherera
Nherera yenyikaka vanongondishora (munyaradzi wangu wauya)
Nherera yenyikaka vachingondinyomba (munyaradzi wangu ndiyeyu)
Nherera yenyikaka vanongondiseka (munyaradzi wangu wauya)
Nherera yenyikaka vachingondinyomba (munyaradzi wangu ndiyeyu)
Nherera yenyikaka vanongondishora (munyaradzi wangu wauya)
Nherera yenyikaka vachingondinyomba (munyaradzi wangu ndiyeyu)
Nherera yenyikaka vanongondishora (munyaradzi wangu wauya)

Поcмотреть все песни артиста

Sanatçının diğer albümleri

Benzer Sanatçılar