Blessing Shumba - Mwari Wangu şarkı sözleri
Sanatçı:
Blessing Shumba
albüm: Ndi Jesu: Holy Psalms, Vol. 1
Kudenga denga kunoparidza kubwinya kwake Mwari
Denga rinoratidza mabasa amaoko ake, oh
Hukuru hwake hunoonekwa pazvisikwa zvake
Nomurairo wake Jehovah, ah
Husiku humwe nohumwe hunopupurira humwe usiku
Haleluya
Hapana kutaura kana mashoko
Inzwi razvo harinzwiki
Ndati ndichiona denga ndokushamiswa ini
Ndati ndichiona denga ndokushamiswa ini
Idzo nyeredzi nomwedzi chiedza chemadekwana, ah
Zvakarongwa sei naMwari wekudenga?
Kana nairo zuva rakauya seiko?
Kana nairo zuva rakauya seiko?
Chiedza cheduwo chamasikati
Ayayaya
Mwari wangu, Mwari wangu munoshamisa
Mwari wangu, Mwari wangu kudzwai Baba
Mbiri kunaShe vanoshamisa
Nditarire mhuka, idzi ndedzepamba idzi
Ndaona mbudzi, mombe dzigere navanhu
Haleluya
Ndione musango mune nyati dzesango, hii
Mhuka idzi ndedzemusango hona
Hove dzizere muhova dzeduwo
Muchadenga muzere shiri, ah
Mwari wangu, Mwari wangu munoshamisa
Mwari wangu, Mwari wangu kudzwai Baba
Mbiri kunaShe vanoshamisa
Ayayayaya
Nerimwe zuva pachionioni
Nditi baa, kutarisa ah
Ndaona kuti neniwo ndiri mufananidzo wavo Mwari
Ayayayaya, oh
Ndichikuona hama uri chishamiso iwe
Ndakatarira iwe, uri chishamiso iwe
Wakasikwa wakafanana naMwari wangu
Uri mufananidzo hona waMwari wanguwo
Naizvozvo ngakudzwe Jesu
Naizvozvo nganamatwe Mwari uyu
Naizvozvo ngakudzwe Jesu
Naizvozvo nganamatwe Mwari uyu
Mwari wangu, Mwari wangu munoshamisa
Mwari wangu, Mwari wangu kudzwai Baba
Mbiri kunaShe vanoshamisa
Поcмотреть все песни артиста
Sanatçının diğer albümleri