Anoti ko-ko-ko ane shangu dzino rira
Akati mba-mba-mba kupfeka nhumbi dzinobata
Akari zunza zunza so ane vhudzi rakareba
Akanyemwerera amai ane meno machena
Rudo rwuno rarama ndiro rwandinoda
Ukangondisiya chete dhiya watondiponda
Sahwira wangu wumbiridza zvauriwe Dhadza
Panopera rudo panozosara rangova ronda
Hausati wamuona here akapoda poda?
Mwana here kuonekera kukosha sengoda
Hausati wamuona here akapoda poda?
Mwana here kuonekera kukosha sengoda
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
(Simuka simuka simuka tiende iwe ho-ho-ho
Benji Nyandoro
Hande Chipasi
Mudhara Munyanyi
Hi-po-po hi-po-po)
Inyaya yerudo yakapinda mumwongo
Mwana uye agere arimo mumoyo
Dai moyo waivhurika maimuona arimo
Dai moyo waivhurika maiona muzere rudo
Ndiripo dhiya wangu (handitaramuke)
Kana ukaenda kure ndotevereka (handitaramuke)
Ukaenda seri kwechikomo tiri tese (handitaramuke)
Ukaenda mhiri kwerukova ndoyambuka (handitaramuke)
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
(Simudza he-he-he Danny
Negosi)
Anobva seri kwemakore, ngirozi yamakasika
Mirira mirira, mumuone achidarika
Anobva seri kwemakore, ngirozi yamakasika
Mirira mirira, mumuone achidarika
Simuka simuka, mumuone kana asvika
Mirira mirira, mumuone achidarika
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
(Ipapo, ipapo, ipapo Niko Niko haha
Hande Marara, hande ipapo
Jabulani Ndlovu, producer wangu)
Rudo rwunorarama ndiro rwandinoda
Ukangondisiya chete dhiya watondiponda
Sahwira wangu umbiridza zvauriwe Dhadza
Panopera rudo panozosara rangove ronda
Ndiripo dhiya wangu (handitaramuke)
Ukaenda kure ndoteveraka (handitaramuke)
Ukaenda seri kwechikomo tiri tese (handitaramuke)
Ukaenda mhiri kwerukova ndoyambuka (handitaramuke)
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
Uyu mwana here uyu
Uyu mwana here
Поcмотреть все песни артиста
Sanatçının diğer albümleri