Aiwa kuumburudzana kana kukungurutsana yangova kikiri kikiri
Inga vanokokorodzana kana kuunganidzana kutamba ngoma yemandiriri
Pandinoirova pandinoiridza ngoma vanobuda masiriri
Pandinoirova pandinoiridza ngoma vanobuda masiriri
Yenyu yekuperekedzana muchinotenga mudzanga ndokutamba kwezvigwindiri
Simudzai ngoma yamandiriri
Yemandiriri
Simudzai ngoma yamandiriri
Yemandiriri
Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva
Kundida kusandida ndiwe unondiziva
Aiwa ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva
Kusvotwa uchirutsa ndiwe unondiziva
Mubatiro wedu tobata sendimba
Tikabata taruma tasunga
Chisungo chedu kuti nganganga
Tikatanga tinopedza usati watanga
Chipo hachina kuuya nen'anga
Chipo chakangouya chakangondinanga
Pamwe pacho dzinongova nyasha
Pamwe pacho hausi ushasha
Pamwe pacho dzinongova nyasha
Pamwe pacho hausi ushasha
Aizve ngachimbumuke machinda
Semakomo eNyanga
Ah ngazvisimuke machinda
Semakomo eNyanga
Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva
Kundida kusandida ndiwe unondiziva
Ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva
Kusvotwa uchirutsa ndiwe unondiziva
Aiwa rega kukanganwa
Simudza kastayera
Hapachada kundandama
Simudza kastayera
Zamba daidza hama
Simudza kastayera
Sarura wako mugodananawoka
Simudza kastayera
Aiwa rega kukanganwa
Simudza kastayera
Hapachada kundandama
Simudza kastayera
Zamba daidza hama
Simudza kastayera
Sarura wako mugodananawoka
Simudza kastayera
Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva
Kundida kusandida ndiwe unondiziva
Ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva
Kusvotwa uchirutsa ndiwe unondiziva
Ayi! Fiyo muzukuru
Silent killer paJoza
Chiripo chinoti pinda muguva
Yeeye unganatsa kubata
Ngwarira nyoka munzira
Yeeye unganatsobata
Vanokuvengera kutamba nemvura
Yeeye unganatsobata
Kusvikira pakuguma kwenguva
Yeeye unganatsobata
Chiripo chinoti pinda muguva
Yeeye unganatsa kubata
Ngwarira nyoka munzira
Yeeye unganatsobata
Vanokuvengera kutamba nemvura
Yeeye unganatsobata
Kusvikira pakuguma kwenguva
Yeeye unganatsobata
Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva
Kundida kusandida (Ndezvako)
Aiwa ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva
Kusvotwa uchirutsa (Ndezvako) ndiwe unondiziva
Aiwa ndiwe ndiwe ndiwe unondiziva
Kundida kusandida (Ndezvako)
Aiwa ndiwe here ndiwe ndiwe unondiziva
Kusvotwa uchirutsa (Ndezvako) ndiwe unondiziva
Iwe musoja iwe
Поcмотреть все песни артиста
Sanatçının diğer albümleri